1. Munyika yeZimbabwe, Mune basa rekuita
Mugabe haazivi imi, Anogara mune dima
Haazivi Jesu Christu, Haazivi nzira tsvene
Murumbwana wenyu Tenzi, Haazivi rudo rwenyu.
Chorus : Uyai muno Tenzi muZimbabwe
Mune basa rekuita
Uyai muno Tenzi muZimbabwe
Mune basa rekuita
2.Uyai muno mutungamire , Uyai muno muponese
Simba renyu ngariuye, Riponese nyika yedu
Ukapokana unosungwa, Kusungirwa mhosva pasina
Vanhu votya kutaura, Kutaura chokwadi Ishe
3.Nyika yedu yoparara, Vanhu vedu voparara
Vana vedu voparara, Mhuri dzedu dzoparara
Simba renyu ngariuye, Kuponisa votandadza
Simba renyu ngariuye, Kuzorodza vorwadziwa
4.Worwadziwa nzara mumba, Worwadziwa hosha muropa
Bvisai Baba vanotadza, Kukoshesa vana venyu
Bvisai Tenzi vatungamiri, Vasina hanya nesu
Bvisai Tenzi iye Mugabe, Azvitadza Tenzi wangu.
5.Garai Tenzi mumoyo make, Pindai Tenzi mupfungwa dzake
Taurai Tenzi mazwi enyu, Enyu basi Tenzi wangu
Kana soko akarizwa, Soko renyu dzvene Tenzi
Anotenda kuoneka, Vana venyu togarika
6.Chenesai mazwi ake, Chenesai pfungwa dzake
Chenesai mabasa ake, Akashata Tenzi wangu
Kuuraya kupondana, Kuuraya vanoshora
Vanoshora matongero , Matongero ake Tenzi
7.Sukai Tenzi mweya uyu, Mweya wekudzvanyirira
Bvisai Tenzi mweya uyu, Mweya wekutyisidzira
Dzingai Tenzi madhimoni, Madhimoni eutsinye
Sukai Tenzi moyo wake, Moyo wake wakasvipa
8. Tamirira Baba wedu, Tamirira chishamiso
Tamirira simba renyu , Renyu basi Tenzi wangu
Kana iye akaramba, Kuteerera mazwi enyu
Zano renyu ngariitwe, Ngariitwe Tenzi wangu. |
|